file:///C:/Users/Tery/Desktop/index.html The Latter Glory: Ari Mauri Mukuru

Ari Mauri Mukuru

Vana vaduku, imi, muri vaMwari, makavakunda, nokuti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika. 1Johane 4 vs 4
Pakurarama tinosangana nezvinhu zvizhinji, zvinofadza, zvinorwadza, zvinosekesa kana zvinosiririsa. Pane zvose izvi pane zvakare zvinogona kuitika nechikonzero chaizvozvo, asi pane nyaya yanhasi ndepekuti ndikubatsire kuziva zvinogona kukubatsira kuti nguva nenguva misi nemisi ugare wakafara zvisinei kuti wasangana nei.

Hongu ndinobvuma kuti chimwe nechimwe chiri pasi pezuva chine nguva yacho asi zvakakoshawo kuti tinzwisise kuti nguva yechinhu inogona kurebeswa kana kupfupikiswa. Mambo Dhavhita vakataura kuna Mapisarema 30 kuti kuchema kungavapo husiku, asi mufaro unouya mangwanani. Jesu pane chimwe chinhaho akaudza vadzidzi vake kuti tsamwa hako asi usarege zuva richidoka uchakatsamwa. Kureva izvo kuti hazvina kuipa kutsamwa, asi hurefu hwehasha idzi hunogona kupfupikiswa maererano nechido chako iwe sedungamunhu. Zviri nyore kufunga kuti kana uchinge watsamwiswa zvikuru zvinodawo nguva refu kuti uzogona kuregerera kana kunyevenuka pahasha dzako. Chokwadi chiripo ndechokuti simba unaro rekuti ugone kufadzwa nezvinotsamwisa vamwe, simba unaro rekuti utuhwine mumvura iri kunyudza vamwe, kuti ugare parikutizwa nevamwe kana kuti ubudirire pari kukundikana vamwe. Hazvisi zvitsva izvi, mvura yakanyudza vamwe ndiyo imwechete yakararamisa Noah nemhuri yake, nzara yakauraya vamwe ndiyo imweyo yakaita kuti Isaka adyare nekukohwa zvakapamhidzirwa mazana. Mozisi wakaona moto arikure asi vana Abednego vakapinda mumoto vakabuda vari vapenyu. Hazvisi zvose zvinokuvadza zvinogona kukukuvadza iwe semwana waMwari. Chinosiyanisa iwe nemumwe ndechokuti simba raurikushandisa kurarama rakasiyana nerake. Varoma 6 vs 4 inoti: Naizvozvo takavigwa naye kubudikidza nokubhabhatidzwa murufu kuitira kuti, sokumutswa kwakaitwa Kristu kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba, nesuwo tirarame upenyu hutsva.
Hanzi Kristu wakamutswa kubva kuvakafa nokubwinya kwaBaba. Simba rakararamisa Jesu kubva pakumuka kwake kusvikira paakakwira kuenda kudenga raiva simba rokubwinya kwaMwari. Ko iwe simba rauri kurarama naro nderani? Pataverenga tichitanga Bhaibheri rati muri vaMwari rikazoti uyo, uri mamuri, mukuru kunaiye, uri munyika. Iri ndiro simba redu pakurarama, Mwari ari matiri mukuru pana Satani ari munyika. chikonzero Jesu akati “Ndakuudzai zvinhu izvi, kuitira kuti muve norugare mandiri. Panyika muchatambudzika. Asi tsungai mwoyo! Ini ndakakunda nyika.” Johane 16 vs 33.
Kristu ari matiri ndiye tariro rwokubwinya (Vakorose 1 vs 27) uye Kristu ari matiri mukuru pane ari munyika. Jesu akati panyika tichatambudzika, asi ini ndakakunda nyika, 1 Johane 4 yoti makavakunda. Takakunda nyika kana tiri muna Kristu. Ndanyora nhau ino kuti ndikuzivise mwana waMwari kuti unogona kubuda parikutadziwa nevamwe, kwete nokuti wakangwara asi nekuti ari mauri mukuru pane ari munyika. Panyika pane kutambudzika, asi ari mauri akakunda nyika. Vakamuuraya asi nezuva retatu akamuka. Vakamuramba asi Mwari vakamubvuma nekumutambira. Akazvidzwa navanhu asi Mwari akamupa kubwinya. Ndiye shumba yerudzi rwaJudah, nyamasase yamangwanani hwayana yakabaiwa isina chipomero. Azere nenyasha azere nengoni tsitsi nemutsa. Agere pachigaro chohumambo kurudyi rwababa, ndiye Kristu ari mauri, tariro yokubwinya. Mwari haana nhoroondo yokukundikana, paJericho wakazviita, pagungwa dzvuku wakazviita, paZiklag wakazviita, paCalvary wakazviita, muhupenyu hwako achazviita. Ramba kugara
wakasuwiswa nezvimhingamupinyi zvehupenyu, ramba kuchemedzwa usambobvuma kushaiswa hope nezvirikuitika munyika. Ari mauri mukuru pane ari munyika, uri waMwari uye wakakunda zvose zviri munyika. Simba racho unaro, harisi rekutamba naro kana kutambisa, harisi simba ringakutendera kuti ugare wakabata shaya uchiedza kufunga kuti unobuda sei. Kana akaburitsa vamwe mugomba remoto, kana akaburitsa vamwe mugomba reshumba, kana akaburitsa vamwe mumaoko aGoriyati, kana akaburitsa vamwe mumaoko aJezebheri, ndinoziva kuti nhamo yaurikuona iyo iduku kwazvo, nokuti ari mauri mukuru pane ari munyika.
Ziva chete kuti ari mauri mukuru, hapana dambudziko rine simba rekukukuvadza, hapana rine mvumo yekukuchemedza, kuti ndiwe waita sei? Uri mwana wehumambo iwewe, ari mauri mukuru. Usapedza husiku wakasvinudzwa nenhamo nekufunganya kana kuti wakatsamwa nezvawasangana nazvo, kune mumwe wakafira iwe. Kana pane zvirikukunetsa, taura naye. Shama muromo wako unamate kwaari ndiye ega ane hanya newe uye ndiye anogona kukuyambutsa. Usafunganya, usagunun’una uye usakahadzika iwe unababa vanokuda. Mwana akadzingwa chikoro nokuda kwekuti mari haina kubhadharwa haachemi kwete, anongoenda nenyaya yake onoturira kuvabereki nokuti ndivo vane musenzekete wokumubhadharira. Kana vachida havo kuzochema vanochema vari ivo. Mwana haana kodzero yekushaya hope nekuda kwezvinhu zvinonangana nemubereki. Ndiwo mararamiro atinotarisirwa kuti tiite pahukama hwedu naBaba vedu ivo Mwari mbune. Kana paita dambudziko, hatingapedzi chero chikamu chiduku chenguva yedu tichifunganya, kukahadzika kana kugunun’una nokuti hondo yacho haisi yedu, tine mukundi anogara matiri, hondo ndeyake. Ndati ndikubatsire kuziva izvi, kubva nhasi kudzamara tisangane zvakare rangarira kuti:
Jesu Ndiye Ishe!! TLG

No comments:

Post a Comment